Isaiah 59

Chivi, Kureurura, neDzikinuro

1Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa,
uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa.
2Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai
naMwari wenyu;
zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake
kwamuri kuti arege kunzwa.
3Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa,
minwe yenyu nezvakaipa.
Miromo yenyu yakareva nhema,
rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa.
4Hapana anochemera kururamisira;
hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka.
Vanongovimba negakava risina maturo uye nokureva nhema;
vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa.
5Vanochochonya mazai emvumbi,
uye vanoruka dandira redandemutande.
Ani naani anodya mazai avo achafa,
uye rimwe rikaputsika, panochochonywa nyoka.
6Matandira avo haabatsiri pakupfeka;
havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira.
Mabasa avo mabasa akaipa,
uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo.
7Tsoka dzavo dzinomhanyira kundopinda muchivi;
vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva.
Mirangariro yavo mirangariro yakaipa;
kuputsa nokuparadza zviri munzira dzavo.
8Nzira yorugare havaizivi;
hapana kururamisira pamakwara avo.
Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama;
hakuna anofamba madziri achaziva rugare.
9Naizvozvo kururamisira kuri kure nesu,
uye kururama hakusviki kwatiri.
Tinotsvaka chiedza, asi zvose irima;
tinotsvaka kujeka, asi tiri kufamba mumumvuri werima.
10Sebofu tinotsvanzvadzira tichitevedza madziro,
tichitsvaka nzira yedu savanhu vasina meso.
Panguva yamasikati tinogumburwa kunge nguva yorubvunzavaeni;
pakati pavane simba, tangoita savakafa.
11Tose tiri kuomba samapere;
tinorira nokurira kukuru senjiva.
Tinotsvaka kururamisira, asi hatikuwani;
tinotsvaka kurwirwa, asi kuri kure kure.

12Nokuti kutadza kwedu kwawanda pamberi penyu,
uye zvivi zvedu zvinotipupurira zvakaipa.
Kudarika kwedu kunogara nesu,
uye tinobvuma kutadza kwedu:
13kumukira nokunyengera Jehovha,
kufuratira Mwari wedu,
kukuchidzira udzvinyiriri nokupanduka,
nokutaura mashoko enhema anobva mumwoyo yedu.
14Naizvozvo kururamisirwa kwadzorerwa shure,
uye kururama kwamira kure;
chokwadi chakagumburwa munzira dzomumusha,
kutendeka hakuchagoni kupinda.
15Zvokwadi haichawanikwi
uye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa.

Jehovha akatarisa akasafara
kuti pakanga pasisina kururamisira.
16Akaona kuti pakanga pasina munhu,
akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira;
naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso,
uye kururama kwake kwakamuraramisa.
17Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva,
nenguwani yoruponeso mumusoro make;
akashonga nguo dzokutsiva akazviputira
mukushingaira kwake seanozviputira nejasi.
18Sezvavakaita, saizvozvo acharipira
hasha
kuvavengi vake
nokutsiva kuvadzivisi vake;
acharipira zvakafanira kuzviwi.
19Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha,
uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake.
Nokuti achauya sokudira kworwizi
runosundwa nokufema kwaJehovha.

20“Mudzikinuri achauya kuZioni,
kuna avo vari muna Jakobho vanotendeuka pazvivi zvavo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
21“Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako hazvichabvi pamuromo wako, kana pamiromo yavana venyu, kana pamiromo yezvizvarwa zvavo kubva zvino nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Copyright information for SnaBDSC